1 Petro 1:1-7
1 Petro 1:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Petro, mupostori waJesu Kristu, kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia, vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kunoita Mwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake: Nyasha norugare ngazviwande kwamuri. Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga, imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira. Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.
1 Petro 1:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Petirosi, mupostori waJesu Kristu, kuna vakasanangurwa vari vaeni, vakapararira muPonto, neGaratiya, neKapadhokia, neAsia, neBhitinia, vakasanangurwa nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, muutsvene hwoMweya, kuti vateerere, vasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ngazviwanzwe kwamuri. Mwari, Baba vaIshe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, akatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga, imi munorindwa nesimba raMwari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwagadzirwa, kuti ruratidzwe nenguva yokupedzisira. Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji; kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu
1 Petro 1:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pita mupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi vatorwa venguva yoKutekeshera kunyika dzePondusi neGaratia neKapaudhosia neAsia nokuBhetinia imi makasarudzwa mukanzi naMwari Baba mururamiswe naMweya kuitira kuti muteerere Jesu Kristu uye kuti musaswe neropa rake. Dai mangowaniswa chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera. Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu.
1 Petro 1:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Petro, muapostora waJesu Kristu, kunaʋakasanaŋgurwa ʋari ʋaeni, ʋakapararira paPonto, neGaratia, neKapadokia, neAsia, neBitinia, ʋakasanaŋgurwa nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari Ƃaɓa, muʋutȿene bgoMŋeya, kuti ʋaterere, ʋasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ŋgaɀiwanzwe kwamuri. Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu, Jesu Kristu, ŋgaatendwe, wakatiɓereka ɀe neŋgoni dzake huru, kuti tiʋe netariro mhenyu, inoʋuya nokumuka kwaJesu Kristu kuʋakafa, kuti tiʋe nenhaka isiŋgaʋori, isinemhoȿa, isiŋgaȿaʋi, yamakaceŋgetererwa kuɗeŋga, imi munorindwa nesimba raMŋari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe neŋguʋa yokupedzisira. Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu
1 Petro 1:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)