Petro, muapostora waJesu Kristu, kunaʋakasanaŋgurwa ʋari ʋaeni, ʋakapararira paPonto, neGaratia, neKapadokia, neAsia, neBitinia, ʋakasanaŋgurwa nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari Ƃaɓa, muʋutȿene bgoMŋeya, kuti ʋaterere, ʋasaswe neropa raJesu Kristu: Nyasha norugare ŋgaɀiwanzwe kwamuri.
Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu, Jesu Kristu, ŋgaatendwe, wakatiɓereka ɀe neŋgoni dzake huru, kuti tiʋe netariro mhenyu, inoʋuya nokumuka kwaJesu Kristu kuʋakafa, kuti tiʋe nenhaka isiŋgaʋori, isinemhoȿa, isiŋgaȿaʋi, yamakaceŋgetererwa kuɗeŋga, imi munorindwa nesimba raMŋari nokutenda, kuti mupiwe ruponeso, rwakagara rwakagadzirwa, kuti ruratidzwe neŋguʋa yokupedzisira. Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu