Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Pita 1:1-7

1 Pita 1:1-7 SCLBD

Ndini Pita mupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi vatorwa venguva yoKutekeshera kunyika dzePondusi neGaratia neKapaudhosia neAsia nokuBhetinia imi makasarudzwa mukanzi naMwari Baba mururamiswe naMweya kuitira kuti muteerere Jesu Kristu uye kuti musaswe neropa rake. Dai mangowaniswa chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere. Ngaarumbidzwe Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu! Nokuda kwengoni dzake dzakawanda takaberekwa patsva kuchitarisiro chezvirokwazvo pamusana pokumuka kwakaita Jesu Kristu kuvakafa. Uye kuti tive nenhaka isingaperi isina kuipiswa, isingabhuruvari yamakachengeterwa kudenga, imi makachengetedzwa nesimba raMwari uye nokuda kwechitendero kusvikira ruponeso rwakagadzirirwa kuburitswa pachena panguva yokupedzesera. Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu.

Verenga chikamu 1 Pita 1