Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa yoNhumwa 14

14
MuIkoniyamu
1PaIkoniyo vese vadopinda pabodzi musinagoge rovaJudha, vadotaura zvokuti vazinji vadotenda, vese vaJudha novaGiriki. 2Asi vaJudha vanga vasingatende vadopandutsa pfungwa dzovaye voyamwe Marudzi kuti vamukire hama. 3Nokudaro vadogara pakarepo nguwa irefu, vachinyaira zvaIshe vadoshinga, iye adopfakaza shoko romutsa wache, pakuvapasa kuita zviratidzo nozvishamiso nomanja yavo. 4Asi vanhu vomuguta vadopesana: vamwe kudivi rovaJudha, vamwe kudivi ronhumwa.
5Pakuedza kudoita voyamwe Marudzi novaJudha pabodzi novatungamiri vavo kuti vavabate uyanga nokuvataka nomabhwe, 6ivo vadozviziva ndokubva vatizira kuRisitira nokuDhebhe, maguta yoRikaoniya, nokunyika idopoteredza, 7vadoparidza vhangeri kwakareko.
MuRisitira noDhebhe
8Zvino paRisitira panga padogarikika umwe murume, wanga asingakone kushandisa tsoka dzache; wanga ari mhetamakumbo kubva pakuzvahwa, wanga asinati wambotekaira. 9Iye adotetekera Phauro achinyaira, naPhauro adomunangaritsa ndokuona kuti anokutenda kwokuti aporesewe, 10adoti nodzinga rino ruzha, “Sumuka umire notsoka dzako.” Iye panguwa yakareyo adochiruka ndokutekaira. 11Mhomho paidoona zvidoitiwa naPhauro, vadodaidzira nomazvi yavo vachinyaira nochiRikaoniya vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri, vadoita kunge vanhu!” 12Vadotenza Bhanabhasi kuti Zeyasi, naPhauro vadomutenza kuti Hemasi, nokuti ndiye waiva munyairi mukuru. 13Zvino chimwari chaiitiwa Zeyasi changa chidovakhihwa imba kunze kwoguta, muphirisita wachene adouya nongunzi nomaruva pamusuwo woguta achida kubaira chibairo kuna Bhanabhasi naPhauro.
14Asi nhumwa dzakaredzi, Bhanabhasi naPhauro pavadozvinzva, vadokerura hembe dzavo ndokumhanyira pakati pogurusvusvu vachidaidzira vachiti, 15“Varume, seiko muri kuita zvakarezvi? Tiri vanhuwo, vadoita kunge imimi, tiri kuuya kokupasai nyaya idonaka, yokuti mupindukire kuna Mwari mupenyu adoita denga nonyika nogungwa nozvese zviri makaremo. 16Panguwa dzidopfuura adotendera marudzi yese kutekaira nonzira dzavo, 17asi haanai kureka kuzviisira pfakazi, ndava adoita zvidonaka pakukupasai mvura kubva kudenga, nomwaka yomagutwa, achigutsa mwoyo yenyu nozvokuja nomufaro.” 18Nomashoko yavo vadoshupika chaizvo kudzivisa vanhu kuvabaira chibairo.
19Asi vaJudha vadosvika kwakareko vachibva kuAndiyoki nokuIkoniyo, vadosukumidzira vanhu, ivo ndokutaka Phauro nomabhwe ndokumuzvuvira kunze kwoguta, vachiti wapfa. 20Asi vadzidzi pavadomukomba, adosumuka achidzokera muguta. Pazuva ridotevera iye naBhanabhasi vadoenda kuDhebhe.
KuDzokera kuAndiyoki iri muSiriya
21Pavadoparidza vhangeri paguta rakarero, nokuita vadzidzi vadowanda, vadodzokera kuRisitira noIkoniyo nokuAndiyoki, 22vachisimbisa vadzidzi, nokuvakohomedza kuti varambire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda muushe hwaMwari nomatambudziko mazinji. 23Vadoti vavasarudzira vatungamiri mukherekhe imwe noimwe, nokunyengetera nokutsanya, vadovaisa kuna Ishe wavadotenda.
24Zvino vadopinda nomuPisidhiya, ndokusvika paPamufiriya. 25Vadoti vanyaira shoko paPhega, vadoenda kuAtariya. 26Kubva pakarepo vadodzokera nochikepe kuAndiyoki, kwavanga vabva kuisiwa pamutsa waMwari nokuda kwobasa ravanga vazazisa.
27Zvino pavadosvika, vadounganidza kherekhe pabodzi vachirondedzera zvese zvanga zvaitiwa naMwari kuburikidza navo, nomavhuriro yaadoita musuwo wokutenda kuno voyamwe Marudzi. 28Uye vadogara novadzidzi pakarepo nguwa irefu.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa yoNhumwa 14: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda