Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa yoNhumwa 13

13
Bhanabhasi naSauro VanoSarudziwa noKutumiwa
1Zvino paKherekhe yopaAndiyoki panga pano vaporofiti novadzidzisi, vaiti, Bhanabhasi, Simiyoni, waiitiwa Naija, naRusiyasi wokuSairini, Manayeni iye wanga adorerewa pabodzi naHerudhe mutongi, naSauro. 2Pavanga vachinamata Ishe, nokutsanya, Mweya Mutsvene adoti, “Ndisarudzirei Bhanabhasi naSauro kubasa randidovadaidzira.”
3Zvino mumasure mukutsanya nokunamata vadovaturika manja pamusoro ndokuvaendesa.
MuSaipurasi
4Vatumiwa naMweya Mutsvene daro, vadoenda kuSerusiya, kubva pakarepo vadoenda kuSaipurasi nochikepe. 5Pavadosvika paSarami, vadoparidza shoko raMwari mumasinagoge yovaJudha. Vanga vana Johwani anoitiwa Mariko achivabatsira.
6Pavadopinda vadotekaira chitsuwa chese kusvikira vasvika paPamufosi, pakarepa vadokumana non'anga’anga, muJudha waiva muporofiti womabhwodo, waitiwa BhaJesu. 7Wanga ari shamwari yomutongi wodunhu, waiitiwa Segiyasi Phaurosi, muzivitsitsi, iye adodaidza Bhanabhasi naSauro achitsvaga kunzva shoko raMwari. 8Asi Erimasi n’anga ndava ndizvo zvinoreva zita rache adovarambidza, achitsvaga kubiritsa mutongi wodunhu kubva pakutenda. 9Asi Sauro ndiyewo anoitiwa Phauro, adozara naMweya Mutsvene, adonangaritsa Erimasi n’anga 10ndokuti, “Iwewe mwana waJabhurosi, iyewe muvengi wokururama kwese, udozara nounyengeri hwese nouipi, unomiraba nai kumonyorotsa nzira dzidoyoroka dzaIshe? 11Zvino Nangara ndipo, janja raIshe rauya pamusoro pako, uchava bofu, uchaita nguwa usingaone chiedza chozuva.”
Pakarepo pfurere norima zvidomuwira, adodzengerera kutsvaga anomutungamirira adomubata janja. 12Zvino mutongi wodunhu paadoona zvidoitika, adotenda, nokuti adoshamisiwa nokudzidzisa pamusoro paIshe.
MuAndiyoki yomuPisidhiya
13Zvino Phauro naabiyache, vadobva paPafosi nochikepe ndokusvika paPega muPamufiriya. Zvino Johwani waitiwa Mariko adovasiya ndokudzokera kuJerusarema. 14Asi ivo vadopfuurira mberi vachibva paPega ndokusvika paAndiyoki muPisidhiya. Zvino nomusi woSabata vadopinda musinagoge ndokugarikika pasi. 15Mumasure mokuverengewa kudoitiwa kubva kumutemo waMozisi nozvinyohwa zvovaporofiti, vatungamiri vosinagoge vadotuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana muno shoko rokukurudzira vanhu, rinyairei.” 16Ipopo Phauro adosumuka, achininira nojanja rache adoti,
“Varume vaIzirairi, naimimi voyamwe Marudzi muno namata Mwari, nditetekerei. 17Mwari waivova vaIzirairi adosarudza madziteteguru yedu, ndokuvaita kuti vabudirire panguwa yavaigara muIjipiti, adovabiritsa kubva makaremo nojanja rinosimba. 18Kwomakore yanoda kusvika makumi manai adovaitira mwoyo murefu musango. 19Paadoparadza marudzi manomwe munyika yoKhenani, adovapasa nyika yavo senhaka. 20Zvakarezvi zvese zvidotora makore yanoda kusvika mazana manai nomakumi mashano.
“Mumasure mozvakarezvo adovapasa vatongi kusvikira pamuporofiti Samueri. 21Ipopo vanhu vadokumbira kuti vave namambo, Mwari adovapasa Sauro mwanakomana waKishi, murume worudzi raBhenjamini, uyo adotonga kwomakore makumi manai. 22Mumasure mokubiritsa kwaadoita Sauro, adomutsa Dhavhiti kuti ave mambo wavo, waadopfakazira achiti, ‘Muna Dhavhiti mwanakomana waJese ndawana murume anobva pamwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwese.’ 23Kubva pavana vomurume wakareyu, Mwari adomutsira vaIzirairi Muponisi Jesu, sekuvimbisa kwaadoita. 24Asinati wauya Johwani adoparidza kuvaIzirairi vese ruombeko kuno vanopinduka. 25Zvino Johwani paanga waakupedza basa rache, adoti, ‘Munoti ndini yani? Ndiniba iye. Asi pano ari kuuya mumasure mangu, wandisinai kukodzera kusugudura murau woshangu dzache.’
26Hama, vana vomhuri yaAbhurahamu, novoyamwe Marudzi vanocha Mwari vari pakati penyu, shoko rakareri roruponiso ridotumihwa kwatiri. 27Vanhu vanogara muJerusarema novatongi vavo, havanai kumuziva Jesu, asi pavadomutongera ipfa vadozazisa mashoko yovaporofiti yanoverengewa paSabata yegayega. 28Kana zvavo vasinai kuwana kwaari murandu unokodzera kuti atongehwe ipfa, vadokumbira Pirato kuti abaiwe. 29Zvino pavanga vazazisa zvese zvidonyohwa pamusoro pache, vadomuturunura pamuchinjikwa vakamuviga muguwa. 30Asi Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa, 31kwomazuva mazinji adozvinangidza kuno vaadotekaira navo kubva kuGaririya vachienda kuJerusarema. Ivova ndivo vava pfakazi dzache kuvanhu vedu vaIzirairi. 32Tino kunyepai nyaya idonaka yokuti Mwari zvaadovimbisa madzibaba vedu, 33adozvizazisa kwatiri isisu vana vavo nokumutsa kwaadoita Jesu. Sezvidonyohwa paPhisarema rochipiri kuti,
‘Ndiwe mwanakomana wangu,
nasi ndakuzvara.’
34Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa kuitira kuti areke kuora sekunyaira kwaadoita achiti,
‘Ndichakupasa makomborero yochokwadi matsvene yadovimbisiwa Dhavhiti.’
35Saka zvidonyaihwawo pakamu pano rimwe Pisarema kuti,
‘Munosiyaba Mutsvene wenyu achiona kuora.’
36Nokuti Dhavhiti, mumasure mokuzazisa chinangwa chaMwari pamazuva yache, adopfa, ndokuvigiwa pabodzi nomadzibaba yache, muviri wache udoora muguwa, 37asi iyeyu adomutsiwa naMwari kubva kuvadopfa haanai kuona kuora. 38Nokudaro hama dzangu, ndinoda kuti muzive, kuti kuburikidza nomurume wakareyu kurekerehwa kwozvitema kunoparidziwa kwamuri. 39Kuburikidza naye umwe noumwe anotenda, anosununguhwa kubva pazvivi zvese kururamisiwa kwamanga musingakwanise kuwana pasi pomutemo waMozisi. 40Chenjerai ndipo, kuti zvidonyaihwa novaporofiti zvireke kuitika kwamuri.
41‘Nangarai, imimi vashori, muno shamisiwa, muchiparara,
ndava ndichaita zvinhu pamazuva yenyu,
zvinhu zvamusingapfi matenda,
kana umwe munhu akatokunyairirai.’”
42Phauro naBhanabhasi pavanga vaakubirika musinagoge, vanhu vadokumbira kuti zvinhu zvakarezvi vazvinyairihwe pakare paSabata raidzotevera. 43Zvino ungano yosinagoge paidopera, vaJudha vazinji novanga vadopindukira kuchiJudha vadotevera Phauro naBhanabhasi, ivo vadonyaira kwavari vachivakurudzira kuti varambe vari pamutsa waMwari.
44PaSabata ridotevera padoita kunge guta rese raungana kudzonzva shoko raMwari. 45Asi vaJudha pavadoona gurusvusvu rovanhu, vadozara nochanje, ndokupikisana nozvainyaihwa naPhauro vachimushora. 46Ipopo Phauro naBhanabhasi vadovapindura vadoshinga, vachiti, “Zvanga zvidokodzera kuti shoko raMwari rithange kunyairihwa imimi. Sezvo muri kurikuvira kudodaro uko kubva kwamuri, muchizviti munokodzeraba kuva noupenyu husingapere, taakuenda kuno voyamwe Marudzi. 47Ndava izvozvo ndizvo zvatidoraihwa naIshe, achiti,
‘Ndidokumisa kuti uve chiedza choyamwe Marudzi,
kuti uendese ruponiso kumigumo yonyika.’”
48Zvino voyamwe Marudzi pavadonzva zvakarezvo vadofara vachikudza shoko raMwari, futi vese vanga vadotarihwa upenyu husingapere vadotenda.
49Shoko raIshe ridopararira kumatunhu yese. 50Asi vatungamiri vovaJudha vadopesvera vakadzi vanoremekedzewa vanga vadozvipira pakunamata novarume vaitungamirira guta. Vadomutsira Phauro naBhanabhasi matambudziko, ndokuvadzingidza vachivabiritsa mudunhu ravo. 51Asi ivo vadovakuhumurira pfumbi rotsoka dzavo seyambiro kwavari, vachibva vaenda kuIkoniyamu. 52Vadzidzi vadozara nomufaro naMweya Mutsvene.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa yoNhumwa 13: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda