Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa yoNhumwa 15

15
MuSangano paJerusarema
1Asi vamwe varume vadouya kubva kuJudhiya vachidzidzisa hama vachiti, “Kunze kwokunge machecheudziwa notsika yaMozisi, munoponesewaba.” 2Zvino Phauro naBhanabhasi vadopesanaba pashoma navo, vachivapikisa, Phauro naBhanabhasi naabiyavo vadosarudziwa kuti vaende kuJerusarema koona nhumwa novakuru pamusoro pomubvunzo wakareyu.
3Nokudaro pavadoendesewa noKherekhe, vadopinda nokwese kuFonisiya nokuSamariya, vachizivisa zvokupinduka kwovasiri vaJudha, uye vadopasa mufaro mukuru kuhama dzese. 4Pavadosvika kuJerusarema, vadotambihwa nokherekhe nonhumwa novakuru, uye vadorondedzera zvese zvidoitiwa naMwari kuburikidza navo. 5Asi vamwe vaiva vatendi vobato rovaFarisi vadosumuka, vachiti, “Zvidokosha kuti vachecheudziwe nokuvaraira kuchengeta mutemo waMozisi.”
6Nhumwa novakuru vadoungana pabodzi kuti vaise musoro pabodzi pamusoro ponyaya yakarei. 7Zvino mumasure monharo dzikuru, Pita adosumuka ndokuti kwavari, “Hama dzangu, munoziva kuti kubvira pamazuva yokarekare Mwari adoita sarudzo pakati penyu, kuti nomuromo wangu vasiri vaJudha vanzve shoko rovhangeri vatende. 8Uye Mwari iye anoziva mwoyo adonangidza kuti adovabvuma kuburikidza nokuvapasa Mweya Mutsvene sezvaadoitawo kwatiri. 9Iye haanai kuisa musiyano pakati pedu naivo, asi adochenesa mwoyo yavo nokutenda. 10Zvino munoedzereiko Mwari nokuisa pamutsipa wovadzidzi joki ranga risingakonewe kutakuriwa nomadzibaba yedu kana isisu? 11Asi tinotenda kuti tichaponesewa nomutsa waIshe Jesu, sezvavachaita ivo.”
12Ipopo ungano yese idoramba idonyarara; vachitetekera kuna Bhanabhasi naPhauro pavairondedzera zviratidzo nozvishamiso zvidoitiwa naMwari kuburikidza navo pakati povasiri vaJudha. 13Pavadopedza kunyaira, Jakobho adopindura achiti, “Hama, tetekerai kwandiri. 14Simiyoni warondedzera mathangiro yadoita Mwari kubvakachira vasiri vaJudha, kuti atore kwavari vanhu vozita rache. 15Mashoko yovaporofiti yanobvumirana nozvakarezvi, semanyorehwo yazvidoitiwa,
16‘Mumasure mozvakarezvi ndichadzoka,
futi ndichavakha kamu imba yaDhavhiti, idowa,
ndichasimudza maton’o yayene,
futi ndichaimutsa,
17kuti vadosara vovanhu vatsvage Ishe,
novese vasiri vaJudha vanodaidziwa nozita rangu,
18Ndizvo zvinonyaira Ishe, adozivisa zvinhu zvakarezvi kubva kare kare.
19Nokudaro inini ndinoti mbatirekei kutambudza yamwe marudzi vasiri vaJudha vanopindukira kunaMwari, 20asi tivanyorere kuti vareke kuja zvidosvipisiwa kuburikidza nokubaihwa kuzvifananidzo vareke upombwe nokureka kuja nyama yochipfuwo kana mhuka idodzipiwa, kana nomusiya. 21Ndava murairo waMozisi udoparidziwa muguta kubva kare uye unoverengewa mumasinagoge Sabata regarega.”
Tsamba Idonyorehwa Vatendi voyamwe Marudzi
22Zvino zvidonakira nhumwa, novakuru pabodzi nokherekhe yese, kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoki pabodzi naPhauro naBhanabhasi. Vadotuma Judhasi anoitiwa Bhasabhasi, naSairasi, vakuru pakati pohama, 23notsamba inotevera, “Isisu, nhumwa pabodzi novakuru, kuhama dzoyamwe Marudzi vasiri vaJudha dziri paAndiyoki nopaSiriya, nopaSirisiya, moroi. 24Sezvo tidonzva kuti vamwe vanhu vadobva kwatiri vadokunetsai nomashoko, kupishanisa pfungwa dzenyu, kana zvazvo tisinai kuvaraira zvakarezvo, 25tidoona zvidonaka kwatiri, mumasure mokuisa pfungwa pabodzi, kusarura varume kuti tivatume kwamuri novadikani vedu Bhanabhasi naPhauro, 26varume vadoisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwaIshe wedu Jesu Khirisitu. 27Saka tatuma Judhasi naSairasi, ivo pachavo vachakunyepai nomuromo zvatiri kunyora. 28Nokuti zvidooneka zvidonaka naMweya Mutsvene naisisu kuti tireke kuisa pamusoro penyu mutoro udokura unopfuura zvakarezvi zvidofanira, 29zvokuti mureke kuja zvidobaihwa kuzvifananidzo nomusiya, nozvidodzipiwa, nokureka upombwe. Kana mukazvichengeta kubva pazvakarezvi, munoita zvidonaka. Chisarai.”
30Zvino pavadotumiwa, vadoenda pasi kuAndiyoki, pavadounganidza ungano pabodzi, vadopereka tsamba. 31Ivo pavadoriverenga, vadofara nokusimbisiwa. 32Zvino Judhasi naSairasi, vanga vari vaporofiti pachavo, vadokurudzira hama nomashoko mazinji nokuvasimbisa. 33Vadoti vapedza nguwa irefu, hama dzidodzovadzotsera norugare kuno vadovatuma. 34Zvidodaipo, Sairasi adoona zvidomunakira kusara pakarepo.
35Asi Phauro naBhanabhasi vadoramba vari paAndiyoki, vachidzidzisa nokuparidza shoko raIshe, novamwe vazinjifutivo.
Phauro naBhanabhasi vano Paradzana
36Ipopo mumasure momazuva yadotikuti Phauro adoti kuna Bhanabhasi, “Mbatidzoke tino bvakachira hama mumaguta yese yatidoparidza shoko raIshe, tinoona kuti vari tini.” 37Zvino Bhanabhasi waida kutorawo Johwani waiitiwa Mariko. 38Asi Phauro adofunga kuti zvidonaka kureka kuenda naye iye adovasiya paPamufiriya, achireka kuenda navo kubasa. 39Ipopo padova nokupesana kukuru, zvokuti vadotopararana, Bhanabhasi adotora Mariko ndokuenda kuSaipurasi nochikepe, 40asi Phauro adosarudza Sairasi, ndokuenda, wareverehwa nohama kumutsa waIshe, 41adopfuura nokuSiriya nokuSirisiya, achisimbisa makherekhe.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa yoNhumwa 15: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda