Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa yoNhumwa 12

12
Pfumvu Idosokoka
1Panguwa inenge yakareyo mambo Herudhe adosunga vamwe vanga vari vokherekhe achivatambudza. 2Adobaya Jakobho, waiva mukoma nomunin'ina’ina naJohwani, nobakatwa, 3zvino paadoona kuti zvidopfadza vaJudha, adoenderera mberi nokusunga Pita pakamu. Zvakarezvi zvidoitika pamazuva yomutambo woMazingwa yasinai Mbiriso. 4Zvino paadomubata, adomuisa mutorongo, ndokumuisa kumapoka manai yovahwi, kuti vamuchengete, achida kuti mumasure moPhasika adzomuisa pamberi povanhu. 5Saka Pita adochengetewa mutorongo, asi wanga achinyengeterehwa chaizvo noKherekhe kunaMwari.
Pita Anosununguhwa kubva muTorongo
6Usiku hwakarehwo Herudhe hwaaida kumubiritsa, Pita wanga adoenzera pakati pomauto mairi, adosungiwa nongetani dziiri. uye vachengetedzi votorongo vanga vadogaririra pamusuwo. 7Zvino nokamangu ngirozi yaIshe idooneka, chiedza ndokuvheneka mukamuri, ngirozi idorova Pita padivi ichimumutsa, ichiti, “Muka, nokamangu.” Zvino ngetani dzidombwera kubva mumanja yache. 8Zvino ngirozi idoti kwaari, “Simira hembe dzako noshangu dzako.” Iye ndokuita zvakarezvo. Adoti kwaari, “Simira bhachi rako unditevere.” 9Adobirika, ndokumutevera, haanai kuziva kuti zvaiitiwa nongirozi nzvochaizvo, asi adofunga kuti wanga achiona chiratidzo. 10Pavanga vapfuura muchengetedzi wokuthanga nowochipiri, vadosvika pasuwo rosimbi panopindiwa napo muguta, ridovavhurikira rega, vadobirika vachipinda munzira, pakarepo ngirozi idobva yamusiya.
11Zvino Pita adochechuka, ndokuti, “Zvino ndino chokwadi kuti Ishe adotuma ngirozi yache kudzondipukunyutsa pajanja raHerudhe nopazvese zvaitarisihwa novanhu vochiJudha.”
12Paadoziva zvakarezvo, adoenda kumba kwaMariya, amai vaJohwani anoitiwa Mariko, kwanga kudoungana vanhu vazinji vachinyengetera. 13Zvino paadogugudza pasasa, murandasikana waiitiwa Rodha adouya kudzodaira. 14Nokuziva dzinga raPita, haanai kuvhura sasa nokufara asi adomhanyira mukati konyairira vamwe kuti Pita adomira pamusuwo. 15Ivo vadoti kwaari, “Unopenga.” Asi iye adosimbisa kuti ndizvo. Ivo vadoti, “Ingirozi yache!”
16Asi Pita adoramba achigugudza, pavadodzovhura vadomuona vakashamisika. 17Zvino iye adovaninira nojanja rache kuti vanyarare, adovatsanangurira mutoo Ishe waadomubiritsa nawo mutorongo. Adoti, “Nyepai Jakobho nodzimwe hama zvakarezvi.” Ipopo adobva wabirika ndokuenda kuimwe nzvimbo.
18Zvino kudzoti zuva rabuda, padoitaba bongozozo ridiki pakati pomauto pamusoro pokuti chii changa chaitika kuna Pita. 19Uye Herudhe paadomutsvaga achimusaya, adobvunzitsitsa vachengetedzi votorongo ndokuraira kuti vabaiwe.
Zvino adodzika achibva kuJudhiya kuenda kuKesariya ndokugara kwakareko.
Kupfa kwaHerudhe
20Zvino Herudhe adoitira ukari vanhu vokuThire novokuSidhoni, ivo ndokuuya kwaari vano pfungwa ibodzi, vabva kupenzveredza Bhurasitosi, mutariri woimba yamambo, vadokumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipona nonyika yamambo pazvokuja.
21Pazuva ridotahwa Herudhe adosimira hembe dzoumambo, ndokugarikika pamupando wache woushe, achinyaira kwavari. 22Ipopo Vanhu vadodaidzira vachiti, “Rakareri izvi ramwari ranyaira aikona romunhu.” 23Nokamangu ngirozi yaMwari idomuroverafuti pakarepo, nokuti haanai kupasa Mwari rukudzo, adojiwa nohonye ndokupfa.
24Asi shoko raMwari ridokura rikawanda.
25Zvino Bhanabhasi naSauro, pavanga vapedza basa ravo vadodzoka kubva kuJerusarema, vachiuya naJohwani anoitiwa Mariko.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa yoNhumwa 12: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda