Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa yoNhumwa 11

11
Pita anozvidairira kuKherekhe yopaJerusarema
1Zvino nhumwa nohama dzanga dziri paJudhiya vadonzva kuti voyamwe Marudzi vasiri vaJudha vadotambirawo shoko raMwari. 2Zvino Pita paadoenda kuJerusarema, vatendi vokuchecheudziwa vadopikisana naye, 3vachiti, “Seiko iwewe udoenda kuvarume vasinai kuchecheudziwa uchija navo?” 4Zvino Pita adothanga kuvatsanangurira mukuteedzana kwazvene.
5“Ndanga ndiri muguta roJopa ndichinyengetera, ndidobatiwa datsi ndidoona chiratidzo, chimwe chinhu chidoburuka, chinenge biza rikuru, chichiburutsiwa kubva kudenga chino makona manai, chichibva chasvika kwandiri. 6Pandidochinangaritsa ndidoona mhuka dzomakumbo manai nozvirombo zvomusango, nozvinosvova notushiri tokudzuru. 7Ndidonzva izvi richiti kwandiri, ‘Sumuka, Pita, baya uje.’ 8Asi inini ndidoti, ‘Neye, Ishe, ndava hapanai chisinai kuchena kana chinotsambwa chidombopinda mukamwa mangu.’ 9Asi izvi ridopindura kochipiri kubva kudenga richiti, ‘Chidonatsiwa naMwari, reka kumboti chinotsambwa.’ 10Zvakarezvi zvidoitika katatu, zvichibva zvakwidziwa kudenga pakamu. 11Panguwa yakareyo varume vatatu vadosvika pamumba patanga tiri, vadotumiwa kwandiri kubva kuKesariya. 12Zvino Mweya adondiudza kuti ndiende navo, ndisingaite rusaruro. Hama idzi dzitanhatu dzidoendawo neni, tikapinda mumba momurume wakareyu. 13Iye achakunyepai maonero yaadoita ngirozi idomira mumba mache, ichiti, ‘Tumira kuJopa kodaidza Simoni, anoitiwa Pita, 14iye achakunyairira shoko rauchaponesewa naro, iwewe noimba yako yese.’ 15Ndichindothanga kunyaira, Mweya Mutsvene adoburuka pamusoro pavo sezvaadoita patiri pakuthanga. 16Zvino ndidoyeuka shoko raIshe, paadoti, ‘Johwani adoombeka nomvura, asi muchaombekewa naMweya Mutsvene.’ 17Zvino kana Mwari adovapasawo chipo chibodzibodzicho chaadotipasa isisu patidotenda muna Ishe Jesu Khirisitu. Inini ndini yani kuti ndirambidze Mwari?”
18Pavadonzva zvakarezvo vadonyarara. Ndokukudza Mwari vachiti, “Saka Mwari adopasawo yamwe Marudzi kutendeukira kuupenyu.”
Kherekhe yopaAndiyoki
19Zvino avo vadopwamwadziwa nokuda kwokutambudziwa kudomuka pamusoro paSitefani, vadoenda kusvikira paFonisiya nokuSaipurasi noAndiyoki, vasinganyairire shoko vamwe kusiya kwovaJudha basi. 20Asi padoita vamwe pakati pavo, varume vokuSaipurasi noSairini, vadoti vasvika muAndiyoki, vadonyairirawo vaGiriki, vachiparidza Ishe Jesu. 21Uye Mwari adoenderera mberi achivabatsira, nokudaro vanhu vazinji vadotenda vachizviisa kuna Ishe.
22Nyaya yakarei idosvika munzeve dzokherekhe yopaJerusarema, vachibva vatuma Bhanabhasi kuAndiyoki. 23Iye paadosvika achiona mutsa waMwari, adofara, ndovakurudzira vese kuti varambe vadotendeka kuna Ishe nokuchinangwa chidosimba, 24nokuti waiva murume adonaka, adozara naMweya Mutsvene nokutenda. Vazinji vadoingidzihwa kuna Ishe.
25Zvino Bhanabhasi adoenda kuThasasi kotsvaga Sauro, 26uye paadomuwana, adouya naye kuAndiyoki. Kwogore rese vaiungana nokherekhe, vachidzidzisa vanhu vadowanda, uye paAndiyoki vadzidzi ndipo pavadothanga kudaidziwa kuti vaKhirisitu.
27Zvino pamazuva yakareyo vaporofiti vadouya kuAndiyoki vachibva kuJerusarema. 28Umwe wavo waiitiwa Agabhasi adosumuka ndokunyaira zvichauya kuburikidza naMweya Mutsvene kuti kuchauya nzara itsvuku pasi pese, uye izvozvo zvidoitika pamazuva yaKiraudhiyasi. 29Ipopo vadzidzi vadomisikidza, kuti munhu wese paanokwanisa napo, atumire ruyamuro kuhama dzaigara kuJudhiya, 30vadobva vaita zvakarezvo, ndokutumira zvipo zvavo kuvakuru kuburikidza naBhanabhasi naSauro.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa yoNhumwa 11: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda