Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa yoNhumwa 10

10
Pita naKoniriyasi
1PaKesariya, panga pano murume waiitiwa Koniriyasi, mukuru wozana romauto raizikana nokuti Hondo yoItariya, 2murume wainamata nokucha Mwari, iye novoimba yache yese, waipasa vanhu zvipo zvizinji, nokunamata kuna Mwari nguwa dzese. 3Zvino nonguwa inenge yopfemba yozuva adoonetsetsa muchiratidzo, ngirozi yaMwari ichipinda ichiti kwaari, “Koniriyasi!”
4Iye adoinangaritsa achicha, ndokuti, “Chiiko Ishe?”
Idoti kwaari, “Minamato yako nozvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvayeukiwa. 5Zvino chituma varume kuJopa, kodaidza Simoni, anoitiwa Pita, 6ari kugara noumwe Simoni, musuki womatehwe, imba yache iri pagungwa.” 7Zvino ngirozi, idonyaira naye, payanga yaenda, adodaidza varanda vache vairi nomuuto adorurama pakati povakarevo vaimushandira. 8Wapedza kuvanyepa zvese, adovatuma kuJopa.
9Zvino pazuva ridotevera, vachiri pahwendo vava papfupi noguta, Pita adokwira pamusoro poimba konamata nonguwa inenge yochitanhatu. 10Adonzva nzara, ndokuda kuwana chaangaje, asi chokuja pachanga chichibikiwa, adobatiwa nodatsi. 11Adobva waona denga richizuruhwa, nochimwe chinhu chidoita kunge biza rikuru chidoburutsiwa pasi chidosungiwa mativi manai. 12Mukati marene manga munomhuka dzese dzinomakumbo manai nozvinosvova notushiri twokudzuru. 13Izvi ridouya kwaari richiti, “Sumuka, Pita, baya uje.”
14Asi Pita adoti, “Neye Ishe, nokuti handinai kumboja chinhu chinotsambwa chisiri chitsvene.”
15Ipopo, izvi ridouya kamu kwaari kochipiri richiti, “Chidonatsiwa naMwari iwewe reka kumbochiti chinotsambwa.” 16Zvakarezvo zvidoitika katatu, biza ridobva rakwidzihwirafuti kudenga.
17Zvino Pita achiri kunetseka mukati mache kuti chiratidzo chaanga awona chairevei, varume vadotumiwa naKoniriyasi vanga vatosvika, vadotomira pasuwo vachibvunza kana paiva ipo pamba paSimoni, 18vadodaidzira vachibvunza kana Simoni anoitiwa Pita wanga achigara pakarepo.
19Zvino Pita achiri kufungitsitsa nozvochiratidzo chaadoona, Mweya adoti kwaari, “Ona, varume vatatu vari kukutsvaga. 20Sumuka uburuke pasi, uende navo usingatsakidze, nokuti ndini ndavatuma.” 21Ipopo Pita adoburukira kuvarume vakarevo achiti, “Ndini wamuri kutsvaga, mauya nochikonzero chei?”
22Ivo vadoti, “Koniriyasi, mukuru wozana romauto, murume adorurama uye noanocha Mwari, anotauhwa zvidonaka pamusoro pache norudzi rese rovaJudha, adoraihwa nongirozi itsvene kuti atume kwauri kuti uuye kumba kwache, kuti anzve zvauchanyaira.” 23Ipopo adovapinza mukati kuti vave varendo vache.
Nozuva ridotevera adosumuka achienda navo, uye dzimwe hama kubva kuJopa dzidoenda naye. 24Pazuva ridodzotevera vadopinda muKesariya. Koniriyasi wanga adovatarisira pakamu wanga wadaidza hama dzache noshamwari dzache dzopapfupi. 25Pita paadopinda, Koniriyasi adokumana naye ndokuwira pasi potsoka dzache achimunamata. 26Asi Pita adomusumudza, achiti, “Sumuka, nainini ndiri munhuwo.” 27Zvino paanga achanyaira naye, adopinda mukati ndokuwana vanhu vadowanda vadoungana, 28adoti kwavari, “Imimi munozviziva kuti hazvisi pamutemo kuti muJudha ajidzane kana kubvakachira munhu worimwe rudzi. Asi Mwari adondiratidza kuti handifaniri kumboti kumunhu upi zvache haanai kunaka kana kuti anotsambwa. 29Saka pandidotumihwa, mutumi ndidouya ndisinai kupikisa, manje ndinoda kuziva ndipo chamandidaidzira.”
30Koniriyasi adoti, “Mazuva manai yapfuura, nonguwa inenge yakareino, ndanga ndidochengeta nguwa yochipfemba yokunamata mumba mangu, nokamangu umwe murume adomira pamberi pangu adosimira hembe dzinoyetima, 31achiti, ‘Koniriyasi, munamato wako wanzvika nozvipo zvako zvarangarihwa pamberi paMwari. 32Tuma munhu kuJopa kodaidza Simoni anoitiwa Pita, ari kugara mumba maSimoni musuki womatehwe, panyasi pogungwa.’ 33Saka ndidokutumirai mutumi nokamangu, maita zvidonaka zvamauya. Zvino isisu tese tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzve zvese zvamaraihwa naIshe.”
Kunyaira kwaPita
34Ipopo Pita adothanga kunyaira achiti, “Chokwadi ndinoona kuti Mwari anosaruraba munhu, 35asi parudzi ripi noripi munhu upi zvache anomucha, achiita zvidorurama anotambihwa naye. 36Munoziva shoko raadotuma kuvaIzirairi, achiparidza nyaya dzidonaka dzorugare naJesu Khirisitu, ndiye Ishe wovese, 37shoko ridoparidziwa muJudhiya rese, kuthanga muGaririya, mumasure moruombeko ridoparidziwa naJohwani, 38Mwari mazodzero yaadoita Jesu woNazareta naMweya Mutsvene nosimba, nomatekairiro yaadoita achiita zvidonaka nokuporesa vese vanga vadotsikirihwa naJabhurosi, nokuti Mwari wanga anaye. 39Uye isisu tiri pfakazi dzozvese zvaadoita munyika yovaJudha nomuJerusarema. Vadomubaya vachimuturika pamuti, 40asi Mwari adomumutsa nozuva rochitatu ndokumuita kuti aoneke, 41aikona kuvanhu vese asi kwatiri vadosarudziwa naMwari kuva pfakazi, tidoja nokumwa naye wabva mukumuka kuvadopfa. 42Adotiraira kuti tiparidze kuvanhu, nokupfakaza kuti ndiye adogadziwa naMwari kuti ave mutongi wovapenyu novadopfa. 43Vaporofiti vese vanopfakaza kuti wese anotenda maari anotambira kurekerehwa kwozvitema kuburikidza nozita rache.”
Voyamwe Marudzi Vanotambira Mweya Mutsvene
44Pita achiri kunyaira zvakarezvi, Mweya Mutsvene adoburuka pamusoro povese vadonzva shoko. 45Zvino vatendi kubva pakati povadochecheudziwa vadouya naPita vadoshamisiwa, nokuti chipo choMweya Mutsvene changa chadururiwawo pamusoro poyamwe Marudzi. 46Nokuti vadovanzva vachinyaira noimwe mitauro vachirumbidza Mwari. Ipopo Pita adoti, 47“Kuno munhu chere angarambidze mvura kuti vanhu vakareva vatambira Mweya Mutsvene kunge isisu vareke kuombekewa?” 48Zvino adovaraira kuti vaombekewe muzita raJesu Khirisitu. Ipopo vadomukumbira kuti ambogara navo kwomazuva mashoma.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa yoNhumwa 10: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda