Mabasa yoNhumwa 9
9
Kupinduka kwaSauro
(Mabasa yoNhumwa 22:6-16; 26:12-18)
1Asi Sauro achitutuma noukari adovhundutsa nokubaya vadzidzi vaIshe. Adoenda kumuphirisita mukuru, 2kokumbira matsamba yokuti aende kuDhamasiko kumasinagoge kuti kana akawana vanhurume kana vanhukadzi, voNzira yakarei, auye navo kuJerusarema vadosungiwa. 3Zvino adoti watova papfupi noDhamasiko, kabodzi nokabodzi chiedza chidobva kudenga chidomutoya kumativi yese. 4Uye adowira pasi, ndokunzva dzinga richiti kwaari, “Sauro, Sauro unonditambudzireiko?”
5Iye adoti, “Ndimi yaniko Ishe?” Iye adoti, “Ndini Jesu wauri kutambudza. 6Asi sumuka uende muguta, uchanyepewa zvaunofanira kuita.” 7Varume vaanga anavo pahwendo, vadomira vasinai noromuromo rese, vachinzva dzinga asi vasingaone munhu. 8Zvino Sauro adosumuka kubva pasi, paadopenya, meso yache yanga yachaonaba, vadotomubata janja vachipinda naye muDhamasiko. 9Adoitirafuti mazuva matatu, asingaone, kana kuja kana kumwa mvura chaiyo. 10Zvino paDhamasiko panga pano mudzidzi waitiwa Ananiyasi. Ishe adoti kwaari nozvaadomunangidza muchiratidzo, “Ananiyasi!” Iye adoti,
“Ndiri pano Ishe.”
11Ishe adoti kwaari, “Sumuka uende munzira yomuguta inoitiwa Idorungama, ubvunze mumba maJudhasi munhu anoitiwa Sauro anobva kuThasasi, nokuti ari kunyengetera. 12Naiyewo adoona murume anoitiwa Ananiyasi achipinda mumba achimuturika manja pamusoro wache kuti aone pakamu.”
13Zvino Ananiyasi adopindura akati, “Ishe ndidonzva novanhu vadowanda nozvo murume wakareyu kuti adobata uyanga vatsvene venyu muJerusarema. 14Noipopano ano simba pakamu raadopasiwa novaphirisita vakuru kuti asunge vese vanonamata nozita renyu.”
15Asi Ishe adoti kwaari, “Enda, nokuti murume wakareyu mudziyo wangu wandidosarudza kuti aende nozita rangu kuvanhu voyamwe Marudzi, madzimambo nokuvana vaIzirairi, 16nokuti ndichamunangidza zvese zvaachafanira kutamburira nokuda kwozita rangu.” 17Ipopo Ananiyasi adobirika ndokuenda achibva wapinda mumba, adoturika manja pamusoro paSauro ndokuti, “Hama Sauro, Ishe Jesu, adozviratidza kwauri munzira yaudouya nayo, wandituma kuti udzotsehwe kuona kwako futi kuti uzaziwe naMweya Mutsvene.” 18Ipopo mumaziso yache mudobirika tunenge tumabade, adothanga kuona pakamu, ndokusumuka achibva waombekewa.
Sauro ano paridza muDhamasiko
19Adoja zvokuja ndokuwana simba. Adogara novadzidzi paDhamasiko mazuva yadotikuti. 20Ipopo adoparidzirafuti nozva Jesu mumasinagoge, kuti ndiye mwanakomana waMwari.
21Vese vadozvinzva vadoshamisika vachiti, “Anga wakareyu ndiyeba waiparadza vaidana kuzita rakareri paJerusarema, adovinga zvakarezvo ikokuno, kuti aende navo vadosungiwa kuvapirisita vakuru?”
22Asi Sauro adoramba achiingidzika simba, adokunda vaJudha vanga vari paDhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Khirisitu.
23Zvino mazuva mazinji payadopera, vaJudha vadorangana kuti vamubaye. 24Asi kurangana kwavo kudozikana naSauro. Vadogaririra misuwo yese masikati nousiku, kuti vamubaye. 25Manje vadzidzi vache vadomutora usiku, ndokumuvikha mudengu, vachimuburutsa nopamadziro.
Sauro muJerusarema
26Zvino adoti wasvika kuJerusarema, adoedza kubatana novadzidzi, asi ivo vese vadomucha, vanga vasingatende kuti wava mudzidziwo. 27Asi Bhanabhasi adomutora ndokuenda naye kunhumwa, ndokuvarondedzera maonero yaadoita Ishe, achibva wanyaira naye nomaparidziro yaadoita zita raJesu noushingi paDhamasiko. 28Saka Sauro adogara paJerusarema, achifambidzana navo, 29adoparidza nozita raShe asingambocha. Adonyaira nokupikisana novaJudha vainyaira chiGiriki, asi ivo vadoedza kumubaya. 30Zvino hama dzidoti dzazviziva, dzidomuendesa kuzasi kuKesariya, ndokumutumira kuThasasi.
31Zvino Kherekhe idova norunyararo paJudhiya rese, Gaririya, nopaSamariya. Kuburikidza naMweya Mutsvene kherekhe idosimbisiwa ichiingidzihwa muuwandu.
Pita ari muRidha nomuJopa
32Zvino Pita adoti achitenderera kwese, pakati pavo vese adosvikawo nokuvatsvene vanga vari kuRidha. 33Adowana kwakareko munhu, waiitiwa Eniyasi, wanga adoenzera pabonde kwomakore masere, nokuda kwokuremara. 34Pita adoti kwaari, “Eniyasi, Jesu Khirisitu anokuporesa, sumuka, uwarure bonde rako!” Ipopo adosumukirafuti. 35Zvino vese vanga vachigara muRidha noSaroni vadomuona, vachibva vapindukira kuna Ishe.
36Zvino paJopa panga pano mukadzi waiva mudzidzi, waiitiwa Tabhita, ndokuti Dhokasi, kana zvichisanduhwa. Iye wanga adozara nomabasa yadonaka nokupereka zvipo. 37Zvino nomazuva yakareyo adohwara, ndokupfa. Vadoti vashambidza mutumbi wache, vadouisa muimba yokumusoro. 38Zvino Ridha zvaranga riri papfupi nopapfupi noJopa, pavadonzva kuti Pita ari kwakareko, vadomutumira vanhu vairi kuti vamukumbire vachiti, “Tapota rekai kuchehwa kuuya kwatiri.” 39Ipopo Pita adosumuka, ndokuenda navo. Adoti wasvika, vadomuperekedza kuimba yokumusoro chirikadzi dzese dzidomira naye dzichirira, vadomunangidza majasi nohembe, zvidoitiwa naDhokasi, achiri navo. 40Pita adovabiritsa panze vese, ndokupfugama achinamata, adochunungukira kumutumbi ndokuti, “Tabhita, muka!” Wanga adopfa adovhura meso yache, zvino paadoona Pita, adobva wagarikika. 41Adomubata janja ndokumusumudza, adodaidza vatsvene nochirikadzi, ndokumuisa pamberi pavo ari mupenyu. 42Zvidozikana novese paJopa, vazinji vadotenda kuna Ishe. 43Ipopo adogara mazuva mazinji paJopa, kuno umwe musuki womatehwe waiitiwa Simoni.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa yoNhumwa 9: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International

: