Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu. Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe. Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanotenda. Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.
Verenga chikamu VaRoma 14
Terera ku VaRoma 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaRoma 14:19-23
3 Mazuva
Kunamato chinhu chinoteedzerwa zvakanyanya kwete muchikristu chete asiwo muzvitendero zvakawanda. Chidzidzo chekunamata chadzidziswa nenzira dzakawanda dzakafana nekuti tinonamata sei uye kuti munamato chimbori chii. Chidzidzo chino chichaongorora nyaya yekunamata kubva pamadzidzisiro akaita Jesu kuvadzidzi vake panechikamu chakunzi munamato waKristu tenzi wedu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo