Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo. Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo, asi zvakaipira munhu anodya achigumbusa vamwe. Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako. Kana uri iwe, kutenda kwaunako uve nako umene pamberi paMwari. Akaropafadzwa munhu uyo asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanozvitendera. Asi uyo anonyunyuta ava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi.
Verenga chikamu Varoma 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 14:19-23
3 Mazuva
Kunamato chinhu chinoteedzerwa zvakanyanya kwete muchikristu chete asiwo muzvitendero zvakawanda. Chidzidzo chekunamata chadzidziswa nenzira dzakawanda dzakafana nekuti tinonamata sei uye kuti munamato chimbori chii. Chidzidzo chino chichaongorora nyaya yekunamata kubva pamadzidzisiro akaita Jesu kuvadzidzi vake panechikamu chakunzi munamato waKristu tenzi wedu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo