Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 97:1-6

Mapisarema 97:1-6 BDSC

Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare. Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe. Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera. Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose. Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.