Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 97:1-6 - Compare All Versions

Mapisarema 97:1-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare. Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe. Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera. Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose. Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 97 BDSC

Mapisarema 97:1-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Jehovha anobata ushe; nyika ngaifare kwazvo; Zvivi zvizhinji ngazvifare. Makore nerima zvinomukomberedza; Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe. Moto unotungamira pamberi pake, Uchipisa vadzivisi vake pamativi ose. Mheni dzake dzakavheneka nyika yose; Pasi pakaona, ndokubvunda. Makomo akanyauka senamo pamberi paJehovha, Pamberi paShe wapasi pose. Kudenga-denga kunoparidza kururama kwake, Ndudzi dzose dzakaona kubwinya kwake.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 97 SNA2002

Mapisarema 97:1-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

TENZI ndimambo nyika ngaifare imi zvitsuwa zvizhinji farai. Makore nezarima zvakamukomberedza ururami noruenzaniso ndizvo hwaro hwechigaro chake chokutonga. Moto unofamba uri mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. Mheni yake inopenyesa pasi nyika inozviona igondengendeka. Makomo anonyungudika senamo pamberi paTENZI, pamberi paTENZI wapasi pose. Matenga anoparidza ururami hwake vanhu vose vanonzwa mbiri yake.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 97 SCLBD

Mapisarema 97:1-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Jehova unoɓata ʋushe; nyika ŋgaifare kwaɀo; Ɀiwi ɀizhinji ŋgaɀifare. Makore nerima ɀinomukomberedza; Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzecigaro cake coʋushe. Mŋoto unotuŋgamira pamberi pake, Ucipisa ʋadziʋisi ʋake pamatiʋi ose. Mheni dzake dzakaveneka nyika yose; Pasi pakaʋona, ndokubvunda. Makomo akanyauka senamo pamberi paJehova, Pamberi paShe wapasi pose. Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoparidza kururama kwake, Ndudzi dzose dzakaʋona kubginya kwake.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 97 SUB1949

Mapisarema 97:1-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

TENZI ndimambo nyika ngaifare imi zvitsuwa zvizhinji farai. Makore nezarima zvakamukomberedza ururami noruenzaniso ndizvo hwaro hwechigaro chake chokutonga. Moto unofamba uri mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose. Mheni yake inopenyesa pasi nyika inozviona igondengendeka. Makomo anonyungudika senamo pamberi paTENZI, pamberi paTENZI wapasi pose. Matenga anoparidza ururami hwake vanhu vose vanonzwa mbiri yake.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 97 SCLB