Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika. Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa. Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba. Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu. Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba. Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo. Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?” Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa! Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.
Verenga chikamu Mapisarema 73
Terera ku Mapisarema 73
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 73:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo