Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 37:23-26

Mapisarema 37:23-26 BDSC

Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake; kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake. Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa. Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.