Mapisarema 37:23-26
Mapisarema 37:23-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake; kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake. Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa. Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.
Mapisarema 37:23-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake. Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake. Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya. Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.
Mapisarema 37:23-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu kana achifamba anotungamirirwa naTENZI; anosimbisa munhu ano mugariro unomufadza Kunyange akawa, haabva ati mbombombo nokuti TENZI ndiye anomubata ruoko. Ndakanga ndiri muduku asi zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa kana vana vake vachikumbira chingwa. Anogara achipa zvakawanda uye achikweretesa vana vake vachiva chikomborero.
Mapisarema 37:23-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mufambire womunhu unosimbiswa naJehova; Unofarikanya munzira yake. Kunyaŋge akawa, haaŋgawiswi cose; Nokuti Jehova unomutsigira noruʋoko rwake. Ndakaŋga ndiri muɗuku, ɀino ndakwegura; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutoŋgoʋona wakarurama acisiyiwa, Kana ʋana ʋake ʋacipemha ɀokudya. Zuʋa rose unoramba aneŋgoni, aciposa; Ʋana ʋake ʋanokomborerwa.
Mapisarema 37:23-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)