Mapisarema 34:1-3
Mapisarema 34:1-3 BDSC
Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.

