Mapisarema 34:1-3 - Compare All Versions
Mapisarema 34:1-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.
Mapisarema 34:1-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu. Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara. Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete.
Mapisarema 34:1-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndicharumbidza TENZI nguva dzose kumurumbidza hakuchabvi pamuromo pangu. Ini ndinodada naTENZI. Dai varombo vakazvinzwawo vafare. Ngatikudzei TENZI pamwechete neni, ngatirumbidzei zita rake pamwechete.
Mapisarema 34:1-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndicarumbidza Jehova ŋguʋa dzose; Rumbidzo yake icagara mumuromo maŋgu. Mŋeya waŋgu ucaɀirumbidza munaJehova; Ʋanyoro ʋacaɀinzwa, ʋakafara. Kudzai Jehova pamŋe cete neni, Ŋgatikudzise zita rake pamŋe cete.
Mapisarema 34:1-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndicharumbidza TENZI nguva dzose kumurumbidza hakuchabvi pamuromo pangu. Ini ndinodada naTENZI. Dai varombo vakazvinzwawo vafare. Ngatikudzei TENZI pamwechete neni, ngatirumbidzei zita rake pamwechete.