Mapisarema 16:5-11
Mapisarema 16:5-11 BDSC
Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke. Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza. Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira. Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka, nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora. Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

