Mapisarema 16:5-11 - Compare All Versions
Mapisarema 16:5-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke. Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza. Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira. Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka, nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora. Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.
Mapisarema 16:5-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu. Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka. Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku. Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguo ichagara yakachengetwa. Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora. Muchandiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi.
Mapisarema 16:5-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
TENZI ndiye mugove wangu nenhaka yangu. Nhaka yangu iri mumaoko ake. Muganhu wangu waenda napakanaka. Hakusi kunaka ikoko kwakaita nhaka yangu. Ndinorumbidza TENZI anondipa mazano kunyange usiku, mwoyo wangu unondinyevera. Ndinoisa TENZI mberi kwangu nguva dzose; nokuti ari kurudyi rwangu, handitsuduguki. Naizvozvo mwoyo wangu unofara, mweya wangu unopembera; kana muviri wangu uchava norugare. Hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa; kana kurega mururami wenyu achipinda muguva. Munondiratidza nzira youpenyu; pamuri ndipo pane rufaro ruzere kurudyi kwenyu kune rufaro nokusingaperi.
Mapisarema 16:5-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Jehova ndiye mugoʋe wenhaka yaŋgu nowomukombe waŋgu; Munoceŋgeta mugoʋe waŋgu. Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nɀimbo dzakanaka; Ɀirokwaɀo, nhaka yaŋgu yakaiȿo‐naka. Ndicarumbidza Jehova wakandipa mano, Ɀirokwaɀo, itȿo dzaŋgu dzinondidzidzisa paŋguʋa dzoʋusiku. Ndakaisa Jehova pamberi paŋgu ŋguʋa dzose; Ɀaari kurudyi rwaŋgu, handiŋgazunuŋguswi. Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unofara, kukudzwa kwaŋgu kunofarisisa; Nyama yaŋgu ʋo icagara yakaceŋgetwa. Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muSheori; Hamuŋgatenderi mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. Mucandiratidza nzira yoʋupenyu; Mufaro wakazara uri pamberi paŋgu; Paruʋoko rwenyu rworudyi paneɀinofadza nokusiŋgaperi.
Mapisarema 16:5-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)