Mapisarema 146:5-10
Mapisarema 146:5-10 BDSC
Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake, Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi. Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa. Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama. Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa. Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose.

