Mapisarema 146:5-10 - Compare All Versions
Mapisarema 146:5-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake, Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi. Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa. Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama. Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa. Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose.
Mapisarema 146:5-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi; Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa; Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama; Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa. Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!
Mapisarema 146:5-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Unomufaro munhu uyo kana Mŋari waJakobo ari muɓatsiri wake, Unotarira kunaJehova Mŋari wake. Iye, wakaita kuɗeŋga napasi, Neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo; Iye, unoramba akatendeka nokusiŋgaperi; Unoruramisira ʋanomanikidzwa; Unopa ʋanenzara ɀokudya; Jehova unosunuŋgura ʋasuŋgwa; Jehova unosinudza meso amapofu; Jehova unosimudza ʋakakotamiswa pasi; Jehova unoɗa ʋakarurama; Jehova unoceŋgeta ʋatorwa; Jehova unotsigira nherera necirikadzi; Asi nzira yaʋakaipa unoipesanisa. Jehova ucaɓata ʋushe nokusiŋgaperi, Mŋari wako, iwe Zioni, kuȿikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!
Mapisarema 146:5-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akakomborerwa zvake munhu anobatsirwa naMwari waJakobho anovimba naTENZI Mwari wake akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo anochengeta chitsidzo chake nokusingaperi. Anoona kuti vakadzvinyirirwa vaitirwa zvino ruenzaniso anopa chokudya vane nzara TENZI anosunungura vasungwa. TENZI anosvinudza meso amapofu TENZI anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo TENZI anoda vakarurama. TENZI anotarisa vatorwa anotsigira chirikadzi nenherera asi nzira yavakaipa anoiparadza. TENZI achatonga nokusingaperi, Mwari wako iwe guta reZioni, pazvizvarwa nezvizvarwa. Areruya.
Mapisarema 146:5-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)