Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko? Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.
Verenga chikamu Mapisarema 118
Terera ku Mapisarema 118
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 118:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo