Mapisarema 118:1-9
Mapisarema 118:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko? Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.
Mapisarema 118:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Isiraeri zvino ngavati, “Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Imba yaAroni zvino ngaiti, “Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Avo vanotya Jehovha zvino ngavati, “Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana. Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko? Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga. Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu. Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda.
Mapisarema 118:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tendai TENZI nokuti wakanaka, mwoyochena wake hauperi narini. Isiraeri ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Imba yokwaAroni ngaiti, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Vanotya TENZI ngavati, “Mwoyochena wake hauperi narini.” Ndakadaidzira kuna TENZI ndiri munhamo, TENZI akandipindura akandipinza murusununguko. TENZI zvaari kudivi kwangu handityi, munhu angandiitei. TENZI zvaari kudivi kwangu somumwe wavabatsiri vangu, vanondivenga ndichatovayeva zvangu. Zviri nani kupotera kuna TENZI panokuvimba nomunhu. Zviri nani kupotera panaTENZI panokuvimba namachinda.
Mapisarema 118:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Israeri ɀino ŋgaʋati: Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Imba yaAroni ɀino ŋgaiti: Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Aʋo ʋanotya Jehova ɀino ŋgaʋati: Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ndakaɗanidzira kunaJehova pakutambudzika kwaŋgu: Jehova akandipindura, akandiisa pakafarikana. Jehova uri kurutiʋi rwaŋgu; handiŋgatyi; Munhu uŋgandiiteiko? Jehova uri kurutiʋi rwaŋgu pakati paʋanondiɓatsira; Saka ndicaʋona kukundwa kwaʋanondiʋeŋga. Ɀiri nani kutizira kunaJehova Pakuʋimba nomunhu. Ɀiri nani kutizira kunaJehova Pakuʋimba namacinda.
Mapisarema 118:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)