Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 3:3-8

Zvirevo 3:3-8 BDSC

Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako. Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa. Izvi zvichava utano pamuviri wako uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.