Zvirevo 3:3-8
Zvirevo 3:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako. Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa. Izvi zvichava utano pamuviri wako uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.
Zvirevo 3:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako.
Zvirevo 3:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako. Naizvozvo uchava nezita rakanaka uchifarirwa naMwari navanhu. Vimba naTenzi nomwoyo wako wose usavimbe nokuona kwako zvinhu nemazvo. Muzviito zvako zvose muzive, iye achatasanudza nzira dzako usazviite munhu anoziva itya Tenzi ufuratire uipi. Zvichakurapa muviri wako zvigonyava mapfupa ako.
Zvirevo 3:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya; Uɀisuŋgire pamutsipa wako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako; Nokuɗaro ucawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMŋari naʋanhu. Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. Usaɀiti wakacenjera; Itya Jehova, ubve paneɀakaipa; Ɀicaʋa mushoŋga womuʋiri wako, Nomŋoŋgo wamafupa ako.
Zvirevo 3:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)