Zvirevo 26:20-22
Zvirevo 26:20-22 BDSC
Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera. Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave. Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.

