Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 24:3-7

Zvirevo 24:3-7 BDSC

Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa; kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba; nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.