Zvirevo 24:3-7
Zvirevo 24:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa; kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha. Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba; nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.
Zvirevo 24:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere. Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nepfuma yose inokosha inofadza. Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba. Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.
Zvirevo 24:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musha unovakwa noungwaru asi kunzwisisa ndiko kunomisa musha. Zvakakosha uye zvakanaka zvinozara mudzimba dzawo zvinobva kuruzivo. Mungwaru anokunda munhu ane simba uye munhu ano ruzivo anokunda ana masimba. Kuronga ndiko kunopa vanhu kukunda muhondo kukunda kunobva mukunyatsoronga. Kubenzi, ungwaru huri pamusorosoro padare harimboti muromo bufu.
Zvirevo 24:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imba inoʋakwa noʋucenjeri; Inosimbiswa nenjere. Neziʋo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza. Munhu wakacenjera unesimba; Ɀirokwaɀo, munhu weziʋo unowedzera simba. Nokuti unofanira kurwa pfumo wamborairirwa noʋucenjeri; Asi kunaʋarairiri ʋazhinji ndiko kunoruponeso. Ʋucenjeri haʋuȿikirwi neɓenzi; Harishamisi muromo waro paɗare.
Zvirevo 24:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)