Zvirevo 15:21-24
Zvirevo 15:21-24 BDSC
Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama. Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira. Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva! Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.

