Zvirevo 15:21-24
Zvirevo 15:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama. Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira. Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva! Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.
Zvirevo 15:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama. Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa. Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei! Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi.
Zvirevo 15:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Upenzi hunofadza munhu asina pfungwa asi munhu anonzwisisa anofamba zvakarurama. Zvirongwa hazvibudirire kana pasina vokupa mazano asi navapi vemazano vakawanda zvinobudirira. Kupa mhinduro yakanaka chinhu chinofadza kumunhu ko kutozoti izwi rinotaurwa panguva yaro yakanaka. Nzira youpenyu yavakangwara inoenda kumusoro kuti vanzvenge nzvimbo yavafi iri kwakadzika.
Zvirevo 15:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋupenzi ʋunofadza munhu unoshaiwa ʋucenjeri; Asi munhu wenjere unofamba acirurama. Pasiŋgaraŋganwi mano anokona; Asi kunaʋarairi ʋazhinji ndokwaanosimbiswa. Munhu unofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Ʋuye shoko, rinotaurwa neŋguʋa yakafanira, rakanaka sei! Nzira yoʋupenyu yowakarurama inokwira kumsoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi.
Zvirevo 15:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)