Zvirevo 14:8-12
Zvirevo 14:8-12 BDSC
Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri. Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo. Imba yeakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu.

