Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 14:8-12 - Compare All Versions

Zvirevo 14:8-12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri. Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo. Imba yeakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 14 BDSC

Zvirevo 14:8-12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera. Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana. Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo. Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka. Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 14 SNA2002

Zvirevo 14:8-12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kuziva nzira dzake ndihwo ungwaru hwomuchenjeri, asi unyengedzi ndihwo upenzi hwebenzi. Benzi rinoshora mupiro wokupfupira zvitadzo asi wakarurama anofadzwa nawo. Mwoyo ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, mumwewo munhu haagone kugoverana rufaro nawo. Musha womunhu akaipa unoparadzwa asi musasa womunhu akarurama unofambira mberi. Pane dzimwe nzira dzaunofunga kuti inzira kwadzo asi mugumo wadzo rufu.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 14 SCLBD

Zvirevo 14:8-12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋucenjeri bgomunhu wakaŋgwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi ʋupenzi bgamapenzi ʋunonyeŋgedzera. Ciɓayiro ceɀiʋi camapenzi cinoɗaɗira; Asi pakati paʋakarurama panokufarirana. Mŋoyo mumŋe nomumŋe unoziʋa kutambudzika kwawo; Mŋeni haaŋgagoʋerani nomufaro wawo. Imba yowakaipa icaparadzwa; Asi tente rowakarurama ricafara ɀakanaka. Munhu unoʋona nzira aciti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 14 SUB1949

Zvirevo 14:8-12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kuziva nzira dzake ndihwo ungwaru hwomuchenjeri, asi unyengedzi ndihwo upenzi hwebenzi. Benzi rinoshora mupiro wokupfupira zvitadzo asi wakarurama anofadzwa nawo. Mwoyo ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, mumwewo munhu haagone kugoverana rufaro nawo. Musha womunhu akaipa unoparadzwa asi musasa womunhu akarurama unofambira mberi. Pane dzimwe nzira dzaunofunga kuti inzira kwadzo asi mugumo wadzo rufu.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 14 SCLB