Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti, “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe. Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo. Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira.
Verenga chikamu Numeri 1
Terera ku Numeri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Numeri 1:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo