Numeri 1:1-4
Numeri 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti, “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe. Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo. Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira.
Numeri 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi murenje reSinai, patende rokusangana, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri negore rechipiri rokubuda kwavo Ijipiti, akati, “Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avarume vose, mumwe nomume. Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa. Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe, mukuru weimba yamadzibaba ake.
Numeri 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai mutendhe rokusanganira pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, pagore rechipiri rokubuda kwavo muIjipiti akati, “Verengai vaIsiraeri vose imba nemba, dzinza nedzinza. Nyorai mazita avanhurume vose vane makore makumi maviri nevane anopfuura iwayo vangakwanise kuenda kuhondo muIsiraeri yose. Iwe naAroni munofanira kuvaverenga muzvikwata nezvikwata. Padzinza rimwe nerimwe torai murume mumwechete wokukubatsirai anenge ari mukuru weimba yamadzibaba ake.”
Numeri 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi murenje reSinai, patente rokusoŋgana, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecipiri negore recipiri rokuɓuɗa kwaʋo Egipita, akati: Ʋereŋga ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋarume ʋose, mumŋe nomumŋe. Iwe naAroni muʋereŋge mapoka aʋo, ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose pakati paʋaIsraeri ʋanogona kundorwa. Munofanira kuenda nomurume worudzi rumŋe norumŋe, mukuru weimba yamadziɓaɓa ake.
Numeri 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)