Mako 2:14-15
Mako 2:14-15 BDSC
Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifeasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru pamba paRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.


