Mako 2:14-15 - Compare All Versions
Mako 2:14-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifeasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera. Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru pamba paRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.
Mako 2:14-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere.” Akasimuka, akamutevera. Zvino akati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake; nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera.
Mako 2:14-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvino akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo agere pahofisi yomutero akati kwaari, “Nditevere.” Iye akasimuka ndokumutevera. Zvino paakanga agere pakudya mumba maRevhi, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake nokuti vaimutevera vakanga vakawanda.
Mako 2:14-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Wakati acipfuʋura, akaʋona Revi, mŋanakomana waArfeo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere. Akasimuka, akamuteʋera. Ɀino wakati agere pakudya mumba make, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakagara naJesu naʋadzidzi ʋake; nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji ʋaimuteʋera.
Mako 2:14-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)