Mateo 5:34-37
Mateo 5:34-37 BDSC
Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo; kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru. Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema. Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.

