Mateo 5:34-37
Mateo 5:34-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo; kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru. Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema. Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.
Mateo 5:34-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Musatongopika, kana nokudenga, nokuti ndicho chigaro choushe chaMwari; kana nenyika, nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusaremu, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.’ Asi shoko renyu rizoti, ‘Hongu,’ ave ‘hongu;’ ‘Kwete,’ ave ‘kwete;’ zvinopfuura izvozvo zvinobva kumuipi.
Mateo 5:34-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako naTenzi kana nedenga nokuti chigaro choumambo chaMwari; kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake; kana kupika neJerusaremu nokuti iguta ramambo mukuru. Usapike nomusoro wako nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti ruve ruchena kana rutema. Regai hongu wenyu angova hongu nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya.
Mateo 5:34-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ini ndinoti kwamuri: Musatoŋgopika, kana nokuɗeŋga, nokuti ndico cigaro coʋushe caMŋari; kana nenyika, nokuti ndico citsiko cetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvudzi rumŋe kuti ruʋe rucena kana rutema. Asi shoko renyu riʋe: Hoŋo, hoŋo; kwete, kwete; ɀinopfuʋura iɀoɀo ɀinobva kunowakaipa.
Mateo 5:34-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)