Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona. Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvozvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano. Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano. “Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza. Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima. Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima. Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.” Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya.
Verenga chikamu Ruka 11
Terera ku Ruka 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 11:29-37
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo