Ruka 11:29-37
Ruka 11:29-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona. Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvozvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano. Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano. “Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza. Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima. Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima. Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.” Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya.
Ruka 11:29-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vazhinji vakati vachiunganira kwaari, akatanga kuti, “Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona. Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kuna vaNinivhe, ndizvo zvichaitawo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti akabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano. Varume veNinivhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kuna Jona ari pano. “Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje angauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza. Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana rakaipa, muviri wako wose uchava nerima. Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima. Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasina rutivi rune rima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo.” Akati achataura, mumwe muFarisi akakumbira kwaari kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
Ruka 11:29-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gungano ravanhu parakanga richimuti ungaunga akatangisa kuti, “Chizvarwa ichi chizvarwa chakaipa. Chinotsvaka chiratidzo asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona. Nokuti sezvakaita Jona kuva chiratidzo kuvanhu veNinivhe, ndizvozvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuchizvarwa ichi. Mambokadzi wokuMaodzanyemba achasimuka achipa mhosva varume vechizvarwa ichi nokuti akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pane mukuru kupinda Soromoni. Varume veNinivhe vachasimuka padare vachimirisana nechizvarwa ichi vachichipa mhosva nokuti vakapinduka asika pano pane mukuru kupinda Jona. “Hakuna munhu anoti kana abatidza mwenje anouisa mudura kana kuukwidibira netswanda asi anouisa pachigadzikiro kuti vanopinda vaone chiedza. Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako, zvino kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uzere chiedza. Kana risinawo kunaka muviri wako uzere nerima. Ipapo ngwarira kuti chiedza chako chirege kuva rima. Zvino kana muviri wako wose uzere chiedza usina pane rima unenge wakajeka wose zvawo sezvinoita rambi rinokupa chiedza nemwenje waro.” Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya.
Ruka 11:29-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋazhinji ʋakati ʋaciʋuŋganira kwaari, akataŋga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona. Nokuti Jona seɀaakaŋga ari ciratidzo kunaʋaNinivi, ndiɀo ɀicaita ʋo Mŋanakomana womunhu kurudzi urwu. Mambokadzi weZasi ucasimuka pakutoŋgwa naʋarume ʋorudzi urwu, akaʋapa mhoȿa, nokuti wakabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kucenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano. Ʋarume ʋeNinivi ʋacasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ʋakarupa mhoȿa, nokuti ʋakatendeʋuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano. Hakunomunhu unoti kana atuŋgidza mŋenje, uŋgauisa pakaʋanda, kana pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, kuti ʋanopinda ʋaʋone ciedza. Mŋenje womuʋiri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muʋiri wako wose ucavenekerwa; asi kana rakaipa, muʋiri wako wose ucaʋa nerima. Naiɀoɀo cenjera kuti ciedza ciri mukati mako cirege kuʋa rima. Ɀino kana muʋiri wako wose wakavenekerwa, pasinarutiʋi runerima, ucavenekerwa wose, somŋenje unokuvenekera nokupenya kwawo. Wakati acataura, mumŋe muFarise akakumbira kwaari kuti aȿuȿure naye; akapinda, akagara pakudya.
Ruka 11:29-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)