Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 7:7-9

Joshua 7:7-9 BDSC

Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani! Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo? VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?”