Joshua 7:7-9
Joshua 7:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani! Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo? VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?”
Joshua 7:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Joshua akati, “Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJorodhani, kuti mutiise mumaoko avaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJorodhani! Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, vaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo! Nokuti vaKenani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?”
Joshua 7:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndopakazonamata Joshuwa achiti: “O babawe kani! Nhai Tenzi Mwari, makagoyambutsireiko vanhu ava Jorodhani. Kuzotiisa here chokwadi mumaoko avaAmori, kuti vatiparadze zvavo? Inga, dai takangosva tagara zvedu kumhiri kwaJorodhani. Zvino ndingagoti kudii chaizvo, nhai Tenzi kana vaIsiraeri vachidai kutiza vavengi vavo? Handiti vaKanani navagari vose vomunyika ino vachazvinzwa, vakatikomberana zvavo, vakatitsakatisa panyika zvokusazombonzwika zvedu kana zita. Zvino imi noukuru hwezita renyu, muchava papi ipapa?”
Joshua 7:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Joshua akati: Haiwa! Ishe Mŋari, makayambusireiko ʋanhu aʋa paJoridani, kuti mutiise mumaʋoko aʋaAmori, ʋatiparadze? Ƌai takatenda heɗu kugara mhiri kwaJoridani! Haiwa, Ishe, ndicati kuɗiniko, ʋaIsraeri ɀaʋakafuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo! Nokuti ʋaKanani naʋose ʋagere munyika ino ʋacaɀinzwa, ʋacatikomba, nokudzima zita reɗu panyika; ɀino zita renyu guru mucariiteiko?
Joshua 7:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)