Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.
Inzwai izvi, imi vakuru;
teererai imi mose vagere munyika.
Ko, zvakadai zvakamboitika here pamazuva enyu,
kana pamazuva amadzitateguru enyu?
Zvinhu izvi zviudzei vana venyu,
uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo,
vana vavowo vaudze chizvarwa chinotevera.
Zvakasiyiwa nefararira remhashu
zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta;
zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta
zvakadyiwa negwatagwata;
zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.
Mukai imi zvidhakwa, chemai!
Ungudzai imi vanwi vewaini;
ungudzai nokuda kwewaini itsva,
nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.
Rudzi rwarwisa nyika yangu,
rune simba uye haruverengeki;
rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.
Rwakaparadza mizambiringa yangu yose,
rukaparadza mionde yangu yose.
Rwakasvuura makwati ose emiti,
rukaarasira kure,
ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.
Chemai semhandara yakapfeka masaga
inochema murume wouduku hwayo.
Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa
hazvichawanikwi muimba yaJehovha.
Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.
Minda yaparadzwa,
pasi paoma;
zviyo zvaparadzwa,
waini itsva yapera,
mafuta hakuchina.
Pererwai nezano, imi varimi,
ungudzai, imi varimi vemizambiringa,
chemerai gorosi nebhari,
nokuti mukohwo weminda waparadzwa.
Muzambiringa waoma,
uye muonde wasvava;
mutamba, muchindwi nomuti womuapuro,
miti yose yesango, yaoma.
Zvirokwazvo, mufaro wavanhu
wasvava.