“Handirevi izvi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuti azorwa neni.’ “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye. Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.” Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.” Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?” Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.
Verenga chikamu Johani 13
Terera ku Johani 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 13:18-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo