Johani 13:18-26
Johani 13:18-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Handirevi izvi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuti azorwa neni.’ “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye. Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.” Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.” Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?” Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.
Johani 13:18-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanangura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti, ‘Anodya chingwa changu, akandisimudzira chitsitsinho chake.’ Kubva zvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, noanondigamuchira ini, anogamuchira akandituma.” Zvino Jesu akati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani. Zvino mumwe wavadzidzi vake akanga akasendamira pachipfuva chaJesu, aidikanwa naJesu. Simoni Petirosi akamuninira, akati kwaari, “Tiudzei kuti ndianiko waanoreva.” Iye akavata pachipfuva chaJesu, akati kwaari, “Ishe, ndianiko?” Ipapo Jesu akapindura, akati, “Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva.” Zvino akati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti.
Johani 13:18-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kureva mose; ndinoziva ini vandakasarudza kuti vanhui, uku kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “ ‘Wandinodya naye mundiro akandimukira.’ Ndiri kukutaurirai izvi iye zvino zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutende kuti ndini iye ari. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, ‘Anogamuchira wandinotuma anogamuchira ini. Anondigamuchirawo anogamuchira akandituma.’ ” Jesu paakataura izvi akashushikana mumwoyo akadura pachena achiti, “Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vasingazivi kuti ndiani waaireva. Mumwe wavadzidzi vake wapamwoyo akanga akazembera pachipfuva chaJesu. Ipapo Simoni Pita akaninira kwaari kuti, “Tiudze kuti ndiani waari kureva.” Akazembera kudai, munyasi mechipfuwa chaJesu, akati kwaari, “Tenzi ndianiko iyeyo?” Jesu akapindura achiti, “Ndouyo wandichapa musuva uyu ndauseva.” Saizvozvo akaseva musuva uya akaupa kuna Judhasi mwana waSimoni Isikarioti.
Johani 13:18-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
handireʋi imi mose; ini ndinoziʋa aʋo ʋandakasanaŋgura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya ciŋgwa caŋgu, wakandisimudzira citsitsinho cake. Kubva ɀino ndinokuʋudzai ɀisati ɀaitika, kuti kana ɀiciitwa, mugotenda kuti ndini. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unogamucira wandinotuma, unogamucireni, nounondigamucira ini, unogamucira wakandituma. Ɀino Jesu wakati areʋa kuɗaro, akamanikidzwa mumŋeya, akapupura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri, mumŋe wenyu ucandipandukira. Ʋadzidzi ʋakatarirana, ʋasiŋgaziʋi kuti wareʋa ani. Ɀino mumŋe waʋadzidzi ʋake wakaŋga akasendamira pacifuʋa caJesu, waiɗikanwa naJesu. Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Tiʋudzei kuti ndianiko waanoreʋa. Iye akaʋata pacifuʋa caJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko? Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandicapa cimeɗu, kana ndaciseʋa. Ɀino wakati aseʋa cimeɗu, akacitora, akapa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti.
Johani 13:18-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)