Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 1:43-46

Johani 1:43-46 BDSC

Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.” Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro, Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.” Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?” Firipi akati, “Uya uone.”