Ava mangwana Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea ndokuwana Firipi akamuti, “Nditevere.” Zvino Firipi aibva kuBhetisaidha guta ravanaAndireya naPita. Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Taona munhu uya akanyorwa nezvake naMosesi muMutemo noMuvaporofita, anonzi Jesu anobva kuNazareti mwanakomana waJosefi.” Natanieri akamuti, “Chiiwo chakanaka chingabve kuNazareti?” Firipi akati kwaari, “Uyaka uone.”
Verenga chikamu Johani 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 1:43-46
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo