Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso. Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo. Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo! Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe. Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere netsitsi nengoni. Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.
Verenga chikamu Jakobho 5
Terera ku Jakobho 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 5:7-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo